Jah Prayzah – Nyeredzi Lyrics | Find Out Lyrics

ADSS

Jah Prayzah – Nyeredzi Lyrics

Jah Prayzah Gwara Album Lyrics
Jah Prayzah – Gwara Album Lyrics, Tracklist

Nyeredzi Lyrics by Jah Prayzah

Hooona nguwo dzaakashonga
Nyemwerero inobaya
Moyo wozorora
Uchamuooona pose paanonsvika
Anoti makadii nemutsa
Moyo wozorora
Uchamuoooona, akasenga chirongo
Moyo wozorora (Raaaa)

Uyo akasunga chuma
Ndongoti ane ndoro chena
Usimuke pakati pevamwe ndikusarudze
Uyo akasunga chuma
Ndongoti ane ndoro chena

Nyeredzi vaima ndikuone
Vekwedu vanokubaira mombe
Dai wangondida ndikudewo
Taita tsika nditsikewo
Nyeredzi vaima ndikuone
Vekwedu vanokubaira mombe
Dai wangondida ndikudewo
Taita tsika nditsikewo

Kure kwegava kunofira mukuzama
Mmm chido chehana
Unotofira mukuzama
Mmm kure kwegava kunofira mukazama
Kuti ndisiye moyo waramba
Ndivate hope dzaramba
Kuti tana hoo, tana (Tana)
Kuti ndisiye moyo waramba
Kuti ndivate hope dzaramba
Tana (Tana), tana (Tana)

Nyerеdzi vaima ndikuone
Vekwedu vanokubaira mombе
Dai wangondida ndikudewo
Taita tsika nditsikewo
Nyeredzi vaima ndikuone
Vekwedu vanokubaira mombe
Dai wangondida ndikudewo
Taita tsika nditsikewo

Rurimi kamoto
Dzinenge ndimi dzerudo
Kunge chumi chezvipo
Kunge guni redziyo
Rurimi kamoto
Dzinenge ndimi dzerudo
Kunge chumi chezvipo
Kunge guni redziyo

Usimuke pakati pevamwe ndikusarudze
Uyo akasunga chuma
Ndongoti ane ndoro chena

Nyeredzi vaima ndikuone
Vekwedu vanokubaira mombe
Dai wangondida ndikudewo
Taita tsika nditsikewo
Nyeredzi vaima ndikuone
Vekwedu vanokubaira mombe
Dai wangondida ndikudewo
Taita tsika nditsikewo

Written by; Jah Prayzah
Album/EP; Gwara

Jah Prayzah Nyeredzi Lyrics

Jah Prayza Nyeredzi Lyrics English Translation